05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 9

ozvidirira mvura yekunwa. Mubvunze kuti sei asarudza girazi raasarudza.

Hatingaise mvura yedu yekunwa mugirazi kana mudziyo unetsvina,

nokuti hatidi kunwa mvura inetsvina. Sei zvino tichifanira kuisa pfungwa

mukusangana nemazano kana pfungwa dzakaora?

MuZvinyorwa zvitsvene Ishe dzimwe nguva vanotaura zvevaranda

Vavo semidziyo (onai Moroni 7:31).

■ Sei tisingakwanise kutarisira Mweya waIshe kugara mumudziyo

unetsvina? Sei pfungwa dzakachena dzisinga kwanise kugara

mupfungwa yakazadzwa nepfungwa dzisina kunaka?

Nyika yakazadzwa nekufurira kwaSatani Tinoratidzwa zvinhu zvisinakunaka

mumitambo, mukushambadza, mumumhanzi, mumabhaisikopo,

mumabhuku, nemuterevhizheni. Mhaka, kurwisana, kuminama,

kumhura kufumuka, nemumhanzi wezvepabonde zvinoratidzwa sezvinobvumirwa

nekunyange kudikanwa. Pfungwa dzisina kuchena dzinouya

zviri nyore kana pfungwo dzedu dzisina kugadzirira kudzinzvenga.

■ Ndekupi kufurira kwakaipa kwamunosangana nako muupenyu

hwenyu? Mungachengeta sei pfungwa dzenyu dzakachena kana

makatenderedzwa nekufurira kwakadai?

Pfungwa Dzedu Dzinokonzera Zviito Zvedu

Zano rinokwanisa kuva nesimba. Kunotanga kuuya pfungwa, kozouya

chiito. Chiito chinotanga mupfungwa. Tinoita zvatinofunga kuita.

Kuronga kuita zvakanaka kana zvakaipa, chirongwa nechiito zvinotanga

mupfungwa.

Mutungamiri David O. McKay vakataura chiitiko ichi:

Makore mazhinji akapfuura mumwe mujaya akauya kwandiri pandakanga

ndiri mutungamiri wemishoni hweEurope akareurura kuchiito

chakaipa chechitema. Akazvireverera nekuti zvakaitika kuti akanga ari

muchitoro chemabhuku panguva dzekuzarira, pakakiiwa gonhi akazvipira

kuchiyedzo. Akapa mhosva yekutadza kwake kumamiriro

ezvinhu.

“Asi ndakati, ‘Haasi mamiriro ezvinhu; harisi gonhi rakakiiwa, kana

kukwezvwa. Wakanga wafunga izvozvo usati waenda kuchitoro chemabhuku.

Dai wakanga usina kumbofunga nezve chiito ichocho,

pakanga pakadai pasina mamiriro ezvinhu akasimba zvekukukwezva

kana kukuyedza, mumishinari, kuti uwe. Pfungwa inotanga mberi

kwechiito.’

“Pfungwa dzakachena, tsika dzepamusorosoro, kufunga rudo muzvakanaka,

kuzvibata, rubatsiro, rufaro, zvese misimboti inobatsira kuku-

71

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!