05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 3

“Usiku, ndakava nekuzarurirwa, ndakarota ndichifamba, ndakatakura

mutoro mukuru mumaoko angu. Ndakanga ndafamba kwenguva

yakareba uye ndakanga ndaneta nekutakura mutoro unorema zvakadai.

Zvino ndakaona Ishe wedu Jesu Kristu, akatora mutoro uyu kubva

mumaoko angu okandikoka, achiti, ‘Uya, nditevere.’ Mangwanani

akatevera ndakanzwa zvakanakisa; kutya kwakanga kwandisiya.

Ndakamhanyira kumutungamiri webazi kunomuudza zvakanga

zvaitika, kuti ndakanga ndisisatye uye kuti ndaiva nechokwadi kuti

zvakanga zviriizvo, saka ndakwanisa kuramba ndichishanda muBato

reMadzima kwemakore semutungamiri nevatevedzeri vaviri vanoshamisa”

(“He Took The Weight out of My Hands,” Remarkable Stories from

the Lives of Latter-day Saint Women, 2:87).

■ Sei Sista Flores vaida chipo chemweya chezvakazarurwa zvemunhu

pachake?

Pamusoro pezviroto, pane dzimwe nzira dzinokwanisa kushandiswa

neMweya Mutsvene kuratidza chokwadi kwatiri. Unogona kutikonzera

kuti tive nechiratidzo (onai D&Z 76:12). Tinokwanisa kunzwa

izwi (onai Mosesi 5:4). Mweya Mutsvene unokwanisa kutaura kwatiri

mupfungwa dzedu (onai Enos 1:10; D&Z 6:23). Tinokwanisa kunzwa

simba reMweya Mutsvene patinonzwa mazwi echokwadi emumishonari,

emuporofita, kana mumwe muranda waIshe (onai D&Z

46:13–14). Tinozwa rutendo rusingazunguzike mumazwi aIshe (onai

Ether 3:11–12). Tinokwanisa kuwana runyararo rwunotapira rwunouya

kana Ishe vajekesa pfungwa dzedu neMweya weChokwadi patino

bvunza kwaVari (onai D&Z 6:14–16, 21–24).

Sista Afton Affleck veku Salt Lake City vakataura chiitiko chavo

pachavo nechipo chemweya:

“Ndakanga ndichigadzirira mabiko a kisimusi anoshamisa. ... Ndaida

kuti ive yakanakisa, asi apo ndakanga ndichishanda pane kumwe

kugadzirira, ndakava nemusoro unotema wakaramba uchinyanyisa

kurwadza. Ndakaedza kwenguva refu masikati kubata Bob [murume

wangu]. Izwi rakati kwandiri. ‘Une chirwere chemuzongoza,’ ndikabva

ndadaidzira, ‘Aa, kwete!’ Baba vangu vakanga vafa nechirwere

chemuzongoza!. ...

“Pakauya chiremba, akasimudza mudenga rimwe remakumbo angu

mutsipa wangu ukarwadza zvikuru. Akati kuna Bob, ‘Ngatimunamatire,’

saka vakaita izvozvo. Tisati taenda kuchipatara, Bob akaridzira runhare

Mutungamiri Robert Young vekutemberi yeSalt Lake akava-kumbira kuti

vasangane nesu ikoko....

“Kuchipatara Mutungamiri Young naBob vakandinamatira ndikavanzwa

kunyange ndakanga ndakadzimirwa. Mutungamiri Young vaka-

22

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!