05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 23

mirairo, mishonga nemabhandeji zvinoshandiswa pakupa rubatsiro

rwekutanga. Zvino kana njodzi ikaitika, tinozova nezvinhu zvokushandisa

kupa rubatsiro nokukurumidza. Kunyangwe zvinhu zvorubatsiro

rwekutanga zvinochengetwa nemhuri yega yega zvichikwanisa kusiyana,

tinofanira kuva nezvinhu zvinokosha zvinotevera izvi:

Mirairo Pakubata Njodzi Dzinoitika Munzvimbo Mamugere

Kumbira mushandi weutano wemunzvimbo menyu kuti akupe mirairo

pamusoro pekurapa makuvaro anobva panjodzi dzinowanzoitika

munzvimbo yenyu, sezvakaita mashizha kana sora rineuturu, mhuka

dzemugungwa, hove kana nyoka dzine uturu, uye tupukanana tune

uturu. Verenga mirairo iyi uye ichengete paunozoiwana nyore nyore.

Sipo

Sipo inodikanwa pakugeza tsvina, matombo, nemagirazi kubva

mumaronda. Tinofanira kuita chokwadi kuti tine sipo yemazuva ose

inenge iripo nguva dzose kuitira njodzi. Kana zvichibvira, munhu anenge

achipa rubatsiro rwekutanga anofanira kunyatsongeza nesipo

nemvura kudzivirira kupa murwere utachiona hunozokwanisa kumuita

kuti maronda anyanye kukura.

Mvura Yakachena

Kana mvura yakachena isingawanikwi nokukurumidza, chengetai chigubu

chakazara pamwepo nezvinhu zvokushandisa parubatsiro rwekutanga

kuitira kuzogeza maronda. Maronda anokwanisa kugezwa

nemushonga unonzi saline solution.

Andisepitiki

Andisepitiki inoshanda kupinda sipo nemvura uye inobatsira kudzivirira

utachiona. Doro rakaita sewisiki kana bhurandi, “hydrogen

peroxide,” nebetadine maandisepitiki anoshandiswa mazuva ose.

Tumatauro twakaiswa andisepitiki kana masipurayi ane andisepitiki

anokwanisa kushandiswawo. Mishonga yokuzora ine “antibiotic” inokwanisa

kudzivirira utachiona.

Micheka Yakachena

Micheka yakachena inokwanisa kushandiswa semabhandeji kugadzira,

mabhandeji chisa zvidimbu zvemucheka wakachena neayini kusvikira

zvavakupisa chaizvo kana kunyange kuita sezvavakutsva. Geza

maoko ako usati wanyatsoputira micheka yachiswa mukati memumwe

mucheka wakachena. Iyi micheka inoita mabhandeji asina njodzi ekushandisa

paronda ririkubuda ropa.

Syrup of Ipecac uye Activated Charcoal

Ipecac inokonzera kurutsa, uko kunova chikamu cherubatsiro rwekutanga

kumunhu anenge adya kana kunwa chepfu. Nokuti kurutsa hakuburitsi

chepfu yose, vanoshanda nezvechepfu vanokwanisa kukuraira

207

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!