05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 26

dera pedyo naBaba vedu voKudenga. Vatungamiri vedu veKereke

vanoziva kukosha kuriko kwekuti nhengo dzemhuri dzifare dziachiita

zvinhu pamwechete, uye tinofanira kutevera rairo yavo kuronga mitambo

inochengeta mhuri dzedu pamwechete.

Mukuru Ezra Taft Benson vakati: “Tenda kuna Mwari nemufaro wehupenyu

hwemhuri. Ndinogara ndichiti hakukwanisi kuva nemufaro

wechokwadi wakabviswa uye uri kure nemusha wakanaka. Ruyanano

neruwadzano zvakanyanya kunaka zvinotapira zveupenyu zviripo”

(God, Family, Country: Our Three Great Loyalties, [1974], p. 178).

Tinokwanisa kutandara mudzimba dzedu nokutora zvinhanho muzviitwa

nemitambo yakasiyana siyana. Mitambo iyi inokwanisa kuva

yakareruka uye hayifaniri kuva nodhura.

■ Ndevipi mitambo yaunokwanisa kunakidzwa iwe nemhuri yako

muchiita pamwechete?

Mukoma George D. Durrant, vamwe baba vaida kuti mhuri yavo inakidzwe

pamwechete, vakati:

“Apo pandakadeedzwa kuva mutungamiriri wemishoni, ndaitya kuti

panguva yakanyanya kukosha muhupenyu hwevana vangu vasere

pamwe ndaizotadza kuva nenguva yakakwana kuva baba vakanaka.

Ndakanga ndatsidzira kuti kuva baba ndiko kwaiva kudaidzwa kwakanyanya

kukosha kubva kuna Ishe pane kuva mutungamiri. Izvi zvaireva

kuti kunyangwe ndaizozvipira kuudzidzisi, ndaizopeta kaviri

kuzvipira kwangu sababa. ...

“Basa rokutanga kwaiva kukanda zitambo ziguru nepabazi rakakwirira

pazimuti ziguru raiva kumberi kwechivanze chedu. Mumwe

mukuru aigona zvokukwira miti netambo akakwira akasungirira zitambo

iri pabazi. naizvozvo muzerere mukuru wepamba peudzidzisi

wakazvarwa. Nemuzerere kwakauya pakarepo shamwari kubva

muvavakidzani vevana vedu vadiki.

“. . . Pashure kwakauya gedhe rebasiketibhoro uye bhokisi reivhu

rokutambira. Chivanze chedu chakava paki umo mandaipedza nguva

yakawanda nevana vangu uye matakagara kwemakore anemufaro

matatu. Ndinobvuma kuti vacharangarira nemufaro nokusingaperi

nguva yavo muKentucky neTennessee” (Love at Home, Starring

Father, [1976], pp. 18–20).

Mhuri dzinoita zvinhu pamwechete dzinokwanisa kuvaka ukama

hwapedyo hune rudo. Apo vanotamba pamwechete, vanodzidzawo

kushanda pamwechete, kukurukura matambudziko pamwechete,

nokunamata pamwechete.

Dzimwe nguva kana mhuri dzichinakidzwa, matambudziko anomuka.

Tinokwanisa kusawirirana pane zvimwe zvinhu. Vamwe vevana vedu

245

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!