05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 18

Ishe vakayambira kuti matambudziko achauya: chivhuramahwe chekuparadza

zvirimwa (onai D&Z 29:16); chirwere chinoparadza chinozadza

nyika (onai D&Z 41:31); hondo pamusoro penyika (onai D&Z 63:33);

uyewo nzara, matenda nekudengenyeka kwenyika (onai Mateo 24:7).

■ Tinofanira kugadzirira njodzi dzipi? Tingagadzirire mhuri dzedu

kunjodzi idzi nenzira dzipi?

Nhengo dzeHoko yeBoston Massachusetts (USA) vakasangana nenjodzi

munguva yedutu rechando rinotyisa. Mhepo yakanga yapupurutsa

mazaya echando kuita matutu akadzika mamita mana, uye nzira dzikazarirwa

kwemazuva.

Mutungamiri Gordon Williams wehoko yeBoston Massachusetts akati:

“Kune mienzaniso yakawanda yenhengo dzakashandisa zvinhu zvavo

zvavanochengetedza pamba vakapa kushamwari nevavakidzani vakanga

vasingakwanise kuenda kuchitoro. Vamwe vakabika chingwa

vakapa vavakidzani vainge vasina kuchengeta kudya. Vamwe “vakagovera

zvidyo zvemumagaba, mukaka weupfu, huchi, nezvimwe zvekudya

zvakakosha.

Pakati pezana nezana nemakumi mashanu evanhu vakafa nokuda

kwedutu iroro. Sista Ruth Tingey, mutungamiri weBato reMadzimai,

vakataura kuti mhuri yavo yakanga yakagadzirira nekudya kwakanga

kwakachengetwa, chitofu chemoto, nehuni dzakawanda. Vakadaro:

“Takanzwa kusatya pakarova dutu, kuti chese zvacho chaiitika takanga

takagadzirira. Taive nemoto. Chakangove chiitiko kwatiri. Kune

vamwe vanhu, yakava njodzi, kana kuoma kukuru- kuru’ (Janet

Brigham, “Saints Dig Out, Clean Up During Harsh Winter,” Ensign,

Kubvumbi 1978, pp. 77–78).

■ Munofunga kugadzirira kwemhuri idzi dzeku Boston kwakashandura

sei mafungiro avo pamusoro pekugadzirira kwemhuri kune

zvinouya zvisina kurongerwa?

Mhuri yese inogadzirira sekuraira kwakaita Ishe kuburikidza nemaporofita

vavo inozokwanisa kubatsira nhengo dzayo isina rumwe rubatsiro,

kunyange munguva dzenjodzi.

Kugadzirira KweKereke

Ishe vakati kumbira kubatsirana pamusoro pekutarira zvatinoda

zvedu pachedu nezve mhuri (onai D&Z 52:40). Dzimwe nguva kuedza

kwedu kubatsira vamwe kunokwanisa kunge kuri kwekutangiswa

nesu. Dzimwe nguva kuedza nezvinhu zvenhengo dzeSangano

zvinobatandizwa nekushandiswa sekutungamirwa nevatungamiri

veufundisi.

160

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!