05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 16

kuenda kumishoni nguva shoma irikuuya. Chiizve chingadikanwe

nemunhu? Ndinoziva kuti kuzvipira kwangu hakuna kushaya basa,

uye ndinoziva kuti vhangeri raJesu Kristu rakaita imba yedu imwe

yedzinofadza zvikuru munyika!” (“The Change In My Father,” Ensign,

Kukadzi 1975, pp. 42– 43.)

■ Sista Ayala vakakudza sei vabereki vavo? Tingashandise sei zvavakaita

muupenyu hwedu?

Mumwezve sista wechidiki, Lois Christensen, akataura makudziro

aakaita vabereki vake:

“Ndine chokwadi chekuti mmishoni wangu weChikoro cheSvondo

akanga asingazive kusakwanisika kwechikumbiro chake. ‘Kirasi,’ akadaro

‘ndinoda mumwe nemumwe wenyu avimbise kuti imwe nguva

mukati mesvondo rinouya munozotaurira baba venyu kuti munovada.’

“Zvakanzwika sechinhu chiri nyore. Asi ndaiziva ndakanga ndisingakwanise

kuzviita. Zvimwe dai ndakanga ndiine rudzi rwababa sevaive

nevamwe, ndakadaro kwandiri, ndingakwanise kutaura mazwi iwayo

kwavari. Asi baba vakanga varegera zvachose kupinda muKereke.

Vairatidzika kwandiri kuve vasina hanya uye mukana pakati pedu

wekutaurirana wakanga wakakura. Tatakanga tisina kumbotaura zvakadzama

pamwechete pamusoro pechinhu chese-chese kwemakore.

Pamusoro pezvo, ‘ndinokuda’ chakanga chiri chinhu chandisingafunge

kuti chakambotaurwa mumhuri medu. Ndakanzwa kuti ndaiva ndisingambo

kwanisa kuita zvakanga zvakumbirwa nemmishoni wangu

weChikoro cheSvondo.

“Mushure memunamato wekuzarira, ndakamirira kusvikira vamwe

vaenda, zvino ndikazoenda kummishoni wangu.

“ ‘Sista Innes, zvamatikumbira kuti tiite zvakanaka. Asi ndinofunga

ndinofanira kuregererwa kubva pabasa iroro. Munoziva zvakaita baba

vangu, uye, aa, handikwanise kutaura chinhu chakadaro kwavari.

“Asi Sista Innes vakanga vasingagutsikane. Vakanditarisa vakati,

‘Zvisinei kuti baba vako vakaita sei kana kuti vanoita sei, vanoda

kunzwa mazwi iwayo kubva kwauri, sekuda kuzvinzwa kunongoita

vamwewo baba. Ndinoda kuti undivimbise kuti uchazadzisa basa iri.’

“Ndakabvuma, uye mukati memazuva mashoma akatevera ndakanzwa

mutoro mukuru. Ndakaziva kuti unobviswa chete kana ndazadzikisa

kuzvipira kwangu. Umwe usiku, mushure mekunge vamwe

vaenda kunorara, nekakutya ndakamirira nguva yakanaka yekutaura

mazwi iwayo. Baba vakanga vachiputa mudzanga vakasimuka kuisa

madota munoiswa marara. Neizwi raidedera, rekutya, risinganyatsonzwika

ndakati, ‘Baba, ndinokudai.’

137

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!