05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 23

Mudzimba munobikirwa pachitofu kana panzvimbo yakakwirira, tinofanira

kudzivirira kusiya mibato yemapoto yakataridzwa nochokunze

kwechitofu, uko vana vanokwanisa kusvikira nokubata mubato

wepoto nokukweva vozvidira zvekudya kana mvura inenge ichipisa.

■ Njodzi dzakawanda dzinoitika here munzvimbo yamunobikira

mumba menyu? Kana zvirizvo, chii chamugaita kuti nzvimbo iyi ive

isina njodzi?

Dzimwe nguva makenduru, mwenje, nezvitofu zvinoiswa pedyo

pedyo nezvimwe zvinhu zvinogona kutsva. Semuenzaniso, maketeni

apamahwindo anopepereswa nemhepo achiswedera kumoto anokwanisa

kubatira moto, kana bhokisi rinochengeterwa pedyo pedyo nechitofu

kana nechoto rinokwanisa kubatira moto apo paunoveswa.

■ Kana aya ari matambudziko mumba mako, unokwanisa kuapedza sei?

■ Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu akaipa anokonzera njodzi? Chii

chaungaita kuti mamiriro ezvinhu aya asakonzera njodzi?

Kubata Njodzi neUngwaru uye neRutsigo

Zvakakosha kuramba takadzikama apo patinobatsira munhu anenge

akuvara. Makuvaro anokwanisa kunge akakura, asi tinofanira kudzikama

uye toedza kuvimbisa munhu wacho kuti achaita zvakanaka.

Vanhu vakuvara kazhinji vanotora kukuvara kwavo sematorere anoita

avo vari pavari. Kana tikachema kana kuridza mhere, munhu akakuvara

anokwanisa kufunga kuti makuvaro ake akakurisa kupinda zvaari

obva avhunduka. Kupa rubatsiro rwekutanga pakurapa nenzira yakatsiga

kunokwanisa kuderedza kana kudzivirira kuvhunduka kwemunhu

akuvara. Tinofanira kuziva chaizvo zvokuita pamakuvaro anowanzoitika

kuitira kuti tigokwanisa kuzviita nechinangwa uye neruzivo.

Zvinobatsira kuva nemunamato nguva dzose mumoyo yedu panguva

yenjodzi, kuitira kuti tigadzirire zvirinani kutambira utungamiri hwakafemerwa.

Kudzidzira Mutoo weKupa Rubatsiro Rwekutanga Mukurapa

Tinofanira kudzidzira maitiro ari muchidzidzo 24, “Rubatsiro

Rwekutanga Mukurapa, Chikamu 2: Kurapa Makuvaro,” mubhuku

rino kamwechete gore rega-rega. Tinofanirawo kudzidzisa maitiro aya

kuna vamwe vakuru nevana vayaruka mumhuri dzedu, kuitira kuti

ivowo vagokwanisa kuva vakagadzirira kana njodzi ikaitika.

Zvinhu Zvinodikanwa Zvokushandisa paRubatsiro Rwekutanga

Mukurapa

Pamusoro pokuita kuti dzimba dzedu dzive dzisina njodzi uye kudzidza

nzira dzinoshandiswa nguva dzose dzerubatsiro rwekutanga

mukurapa, tinokwanisa kuzvigadzirira nekuchengeta mudzimba dzedu

206

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!