05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

184

KURONGA KUDYA

KUNOVAKA MUVIRI

Chidzidzo 21

Chinangwa chechidzidzo chino ndechekutibatsira kuronga kudya

kunovaka miviri.

Kudikanwa kweZvokudya Nguva neNguva

Kuti tiwane pundutso kubva mukudya kwenguva nenguva, zvikafu

zvatinodya panguva idzi zvinofanira kutipa kudya kunovaka kunodikanwa

kuitira utano nokukura. Kana mhuri ichidya pamwechete,

vabereki vanokwanisa kubatsira kupa munhu ega-ega zvikafu zvinovaka

zvakasiyana siyana uye zviri muuwandu hwakafanira. Pamusoro

pekuwana zvokudya zvinovaka, kudya pamwechete kunokwanisa

kupa nhengo dzemhuri mukana wekuvapamwechete, kunamata

semhuri, uye kukurukurirana pamusoro pezviitiko zvavo. Uyewo,

vabereki vanokwanisa kushandisa nguva iyi kudzidzisa vana vavo

misimboti yevhangeri nenzira isiri yakarongwa. Apo nhengo dzemhuri

padzinoronga zvekudya pamwechete nokudya pamwechete, vanoshandisa

mari yavo zvine ungwaru. Chikafu chatinodya mazuva ose

nguva zhinji chine mitengo yakaderera uye chine kudya kune hutano

kupfwura twudyiwa twunodyiwa pakati penguva dzekudya. Kudya

kwemhuri kwakafanira kunodzikisira kudikanwa kwezvokudya zvokungonhonga

nhonga pakati penguva dzokudya izvo kazhinji zvinodura

uye zvisingavaki.

Nguva dzekudya, dzakarongwa dzine dzimwe pindutso. Nhengo dzemhuri

dzinoziva nguva yekudya uye voronga kuva pamba panguva

idzodzo zuva nezuva. Muviri unoshanda zvirinani kana uchiwana

zvekudya nguva dzakatarwa kupinda paunowana zvekudya panguva

dzakasiyana siyana kana kuti kudya kusingavaki. Tinokwanisa kushanda

zvakatsetseka uye nokubatsira kudzivirira zvirwere zvemudumbu

nokudya zvekudya panguva imwechete zuva nezuva. Vana vanowana

pundutso kubva mukuwana zvekudya nguva nenguva. Vanoneta uye

vanonetsa kana vaine nzara, uye kuvapa zvekudya panguva dzakatarwa

kunobatsira hunhu hwavo.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!